Monday 4 March 2013

VHOTAI “NO” PAREFERENDUM KWETE KUBUMBIRO ROUMBIMBINDOGA




VHOTAI “NO” PAREFERENDUM
KWETE KUBUMBIRO ROUMBIMBINDOGA NEVEMAPATO! TINODA BUMBIRO RINOBVA KURUZHINJI RWEVANHU!
ZVIKONZERO ZVOKUTI “NO”
A. MAFAMBISIRWO ARAKAITWA
1.      Ibumbiro roumbimbindoga risina zvido zvoruzhinji.
2.      Mapato ezvamatongerwo enyika haakuriri ruzhinji rwavanhu simba. Haafaniri kumbunjikidza bumbiro iri pavanhu.
3.      Hapana bato kana mapato anofanirwa kuregedzwa achinyorera nyika mutemo. Bumbiro renyika ngaribve kuruzhinji rwavanhu.
4.      Bumbiro iri harina zvido zveruzhinji. Rine zvido zvamapato matatu ari kutonga.
5.      Makore 4, US$50 million yakaparadzwa, vemapato vachinyora bumbiro risina pundutso kunyika, asi kwavari.
6.      Kuti “YES” kutengesa simba nekodzero zvoruzhinji zvachose kune vemapato. Vemapato havazoremekedzi ruzhinji. Nyika haingabudiriri pakadai!
7.      “No” ndiyo mhinduro chete. “No” yabudirira, tinoenda kusarudzo. Kana sarudzo yapera, ruzhinji rozoita mukana wokunyora bumbiro ravo vachitungamirirwa neINDEPENDENT CONSTITUTIONAL COMMISSION.
B.  ZVISINGAFADZI ZVIRI MUBUMBIRO
8.      Bumbiro iri rinopa masimba ose kuna President-masimba okuita zvose zvaaanoda. Masimba acho ndeaya:
·         President anotungamirira zvose, nyika, hurumende nemauto. (sec 89).
·         Masimba aPresident semutungamiriri wenyika haana chinodzivisa.(sec 110(1)).
·         President anosarudza oga maminister nevatevedzeri vavo pasina mvumo kana pfungwa dzeparamende.(sec 104).
·         Nhamba youwandu hwamaMinister navatevedzi vavo haina kutemwa mubumbiro. Zviri kunaPresident kuti vanoita vangani (sec 104).
·         Nekuti President ndiye oga ane simba rokupinza nokuburitsa basa maminister, Cabinet iri musimba rake zvachose. Saka, chirevo chiri mubumbiro iri chokuti President anotonga nyika kuburikidza neCabinet hachicharevi chinhu. Cabinet ndiye.(sec 105).
·         President anemvumo yokusarudza mamnister 5 asiri muparamende. Izvi zvinopa mukana wokudzosa muhurumende vanhu vasina kusarudzwa noruzhinji kumatunhu avo.(sec 104(3)).
·         President ndiye anosarudza vatungamiriri vemauto, mapurisa, maCIO nevamwe, angobvunza minister wake umwe chete. (chap 11).
·         President ndiye anobvuma kana kuramba kusarudzwa kwemaJudge(sec 180) kunyange Judicial Service Commission yaongorora Judge ikagutsikana, President vanogona kungoramba votsvagiswa mumwe.
·         President ndiye oga anosarudza nokudzinga basa Attorney General.(sec 114). Izvi anozviita chero paadira.(sec 115).
·         President ndiye anobvuma kana kuramba kusarudza kwemuchuchusi mukuru(Prosecutor-General)(sec 259).
·         President ndiye anobvuma kana kuramba kusarudzwa kwamacommission ose kusanganisira inotungamirira sarudzo munyika(Zimbabwe Electoral Commission)(chapter 12).
·         Nyange vashandi vehurumende vachitungamirirwa naMinister wePublic Service neCivil Service Commission, President ndiye anobvuma kana kuramba mari dzinotambiriswa vashandi vehurumende vese kubva kunewepasi kusvika wekumusorosoro.(sec 203(4)).
·         President ane mvumo yokudzinga Paramende basa kana yaramba kubvimirana neurongwa hwemari yenyika(Budget). (sec 143(3)).
·         President ane simba rokudzinga Paramende basa kana yaratidza kusagutsikana neutongi hwake(vote of no confidence). (sec 109(4)).
·         President haamanikidzwi nebumbiro iri kupindura mibvunzo muparamende. Zvakaitirwa kuti bato rine masimba akawanda muparamende ridzivirire President waro kubva mukupindura mibvunzo.
·         President haatongwi mudare achiri pachigaro, uye mushure mekubva pachigaro anogona kuramba mhosva dzaanenge achipomerwa achiti aizviita nechinangwa chakanaka(good faith)(sec 98).
·         President anesimba rekuti hondo itangwe, Paramende isingagoni kumudzivisa.(sec 111).
·         President ane simba rekuregerera mhosva dzeshamwari dzake dzematongerwo enyika.(sec 112).
·         President ane simba rokutema kuti nyika yave mudambudziko guru (state of emergency): sec 113. Inenge yoda kushandiswa kwemasimba nemitemo zvisiri zvamazuva ose.
·         President apedza basa neari pabasa vanohora mari yakafanana, yaapedza basa ichinzi ipenjeni yeupenyu hwese.(sec 102(3))
9.      Bumbiro iri rine maVice Presidents 2.(sec 92). Hapana chikonzero chekuti bumbiro idzva riite ma Vice Presidents 2. Nyika haina upfumi hwekupedza nenzira iyi. Vice President apedza basa anoramba achihora mari yakafanana neari pabasa kusvikira afa.(sec 102(3))
10.  Nhengo dzeparamende dzawedzera kusvika pa350(VeNational Assembly 270, Senators 80) (sec 120 & 124). Nhamba inozoita 355 kusanganisa maminister 5 aPresident. Nyika haina upfumi hwekuchengeta paramende yakakura kudai. Cherechedzo: Muna 1980 kwaive nenhengo dzeparamende 140, 1980-150, muna 2005-216, muna 2008-303.
11.  Zvigaro 60 zvakachengeterwa vanhukadzi ngazviverengerwe munhamba yagara iripo kwete kuwedzera nhamba yeparamende sezvirikuitwa nebumbiro iri.
12.  Kunyange Paramende yakakura zvakadai, haina masimba. Hapana chikonzero chekuiwedzera, nokuti inongotaura zvisina chazvinosunga kana kuchinja. Kupinda muhurumende kungotsvagirana mabasa pasina pundutso kuruzhinji.
13.  Hapana nguva yakatarwa/yakapimwa mubumbiro kuti nhengo yeparamende inge ichitonga(term limits).
14.  Kunze kweBill of Rights(chap 4) nezve Ivhu(Land)(chap 16), Bumbiro rinogona kuchinjwa ne Paramende yoga pasina mvumo yevanhu(Referendum)(sec 328). Izvi zvinoreva kuti zvese kusanganisira mitemo inotema nguva yokutonga muzvigaro zvehurumende(term limits) zvasiyiwa mumaoko ehurumende dzinotevera, zvinoita kuti dambudziko riripo rokuchinjwa-chinjwa kweBumbiro rienderere mberi.
15.  Kwemakore gumi(10) anotevera, President akasiya basa kana kufa, hapaitwi sarudzo yokutsvaga umwe President, asi kuti bato rake ndiro rinopazve mumwe President, sokunge zvinonzi vanhu vanosarudza bato saPresident kwete munhu.(Onai paragraph 14, schedule 6). Izvi zvinoreva kuti pakave nekumukirana mubato iri, nyika inoshaya mutongi kusvikira vazogadzirisana. Uku kukoshesa bato kukunda nyika.
16.  Bumbiro iri harina kugoverana kwamasimba(devolution) kumatunhu zvachose. Nokuti nhengo dzeparamende ndidzozve nhengo dzemakanzuru amatunhu. Saka makanzuru amatunhu haana zvaanotonga(chapter 14).
17.  Mumbiro hamuna mutemo unomanikidza nyika kuti ipe chimwe chikamu chemari yenyika kuti igadzirise nhamo dzavarombo. Bumbiro reruzhinji raizotema mari ingagadzirise nhamo dzezvekudya, utano, dzidzo nemvura.
18.  Mitemo yekodzero(Bill of Rights) iri muBumbiro ndeyechipameso chete, sezvo pasina nzira dzokuti kodzero idzi dzipuhwe vanhu.
19.  Kodzero yekuratidzira yavashandi haikwanisiki. Sokuti, vashandi vehurumende vanoramba vaine mitemo isingavapi mikana yokuratidira kana isingabvumirani nehurukuro dzokugadzirisa nhunha nemushandirwi.
20.  Bumbiro haripi kodzero yekuvhota kune maZimbabwe anoshandira kunze kwenyika(diaspora).
21.  Kodzero dzekusununguka kutaura pfungwa dzako(freedom of expression) dzinokanganiswa neZimbabwe Media Commission, yakaiswa muBumbiro( sec 248).
22.  Bumbiro rinoti ahwinha sarudzo anowana masimba ose okutonga, pasina kugoverana namamwe mapato akwikwidza, nyange ruzhinji ruchida kugoveranwa kwamasimba, kuti paramende ivewo nenhengo dzemamwe mapato[proportional representation].
23.  Mutongo werufu unopihwa kumhondi unerusaruro. Madzimai mhondi havachatongerwi rufu. Nevarume mhondi vadarika makore 70 havachatongerwi rufu. Mutongo werufu kana wanzi uripo ngaurege kusarura.(sec 48).
24.  Bumbiro rine mimwe mitemo inonzi izotanga kushanda kwapera makore 7 kusvika 10, uye imwe inopera kwapera makore akati kuti. Hapana chikonzero chekuitema iye zvino, iyo ichizoshanda kwapera nguva refu. Bumbiro harifaniri kuve rokuchengetedza zvido zvevari kutonga panguva iyoyo.


                             VOTE     NO

No comments:

Post a Comment